Mutemo Wekuchengetedza Zvakavanzika

Derek Prince Ministries inokoshesa nekuremekedza zvose zvakavanzika zvako. Takagadzira mutemo uyu kuitira kuti uve nyore kuverenga, uzwisisike uye uve pachena, tichiratidza kuzvipira kwedu pakuchengetedza zvakavanzika zvako izvo zvatinokoshesa.

Chiziviso ichi chinoshanda kune ruzivo rwose rwakaunganidzwa kuburikidza newebhusaiti ino.

Tsananguro

Zvazvinoreva kana tichiti zvine chekuita newe, zvinosanganisira zvose zvinokwanisa kushandiswa kuva neruzivo pamusoro munhu (semuenzaniso: zita, kero, nhamba dzenhare, kero yeemail, nezvimwewo.).

Kuchengetedzwa

Tinotora matanho akanaka uye ane mwero kuti tive nechokwadi chekuchengetedzwa kwezvatinoziva pamusoro pemunhu. Isu takagadzira maitiro uye matekinoroji ekuchengetedza kuti vanhu vasina mvumo vasakwanise kuzviwana nekuzvishandisa zvisiri izvo.

Kuunganidza neKushandisa

Isu tinounganidza zviri pamutemo ruzivo nezvako kana rwuchipihwa kwatiri pachena kuburikidza nechinangwa chinenge chatsanangurwa panguva yekuunganidza. Zvinangwa zvinosanganisira kupa zvatinenge tinazvo, nerubatsiro, kana kunyorerana kwatinoita newe.

Mapato Echitatu(Third parties)

Isu tinongoverana nezvako chete kana tawana mvumo kubva kwauri kuti tizadzisa zviga zvebasa kana kutevedza mutemo.

Kana tikagoverana nezvako, tichaita zvinotevera:

  • Hatimbotengesi, kurendesa kana kuchinjanisa ruzivo urwu kuti tiwane zvimwe zvinhu.
  • Tichagara tichigoverana nenzira yakachengeteka.
  • Hatimbotenderi vamwe vanhu(Third parties) kuti vashandise ruzivo urwu kuita mabasa ekushambadzira.

Makuki (Cookies)

Sezvoitwa nemawebhusaiti mazhinji, tinoshandisa makuki kuti tivandudze kushandisa kwenyu ruzivo uye kuti tione huwandu hwevanhu vari kushandisa webhusaiti

Makuki mafaira madiki emavara anoiswa pakombiyuta yako nemawebhusaiti auno shanyira. Izvi zvinoitika kana wabvumidza bhurawuza rako (semuenzaniso, Chrome) kugamuchira makuki.

Ndapota ona mafaira erubatsiro ebhurawuza rako kuti uwane mirayiridzo yekushandisa makuki.

Zvinongedzo Zvekune dzimwe nzvimbo pawebhusaiti

Chiziviso ichi hachishandi kumawebhusaiti evamwe. Tinokurudzira kuti uongorore mitemo yekuchengetedza ruzivo pawebhusaiti yega yega yaunoshanyira.

Mvumo

Nekushandisa webhusaiti ino unobvumirana nemutemo uyu wekuchengetedzwa kwezvakavanzika.

Nguva nenguva tinogona kuchinja chiziviso ichi. Kushandisa webhusaiti ino mushure mekugadziridza kunoratidza kubvumirana kwako nazvo. Tinokurudzira vashanyi vewebhusaiti kuti vagare vachiongorora chiziviso ichi kuti vave neruzivo rwenguva iyoyo pamusoro pezvatachinja nezvetsika dzedu dzekuchengetedza.

Ndokumbira utaure nesu kana uine mibvunzo kana zvirevo zvine chekuita nemutemo uyu wekuchengetedza zvakavanzika.

Taura nesu