Zvinotaurwa nevanhu
Ndakatungamirirwa kuzvidzidziso zvaDerek Prince mwedzi mishoma yapfuura. Handigone kumutenda zvakakwana nezvose zvandadzidza. Nyika itsva yeruzivo rwemweya yakavhurika kwandiri. Ndinomunzwa zuva nezuva uye ndinotenda Baba vedu vokudenga nezvidzidziso zvake.
Carmen M, France
Ndava nemakore akati kuti ndichiona Derek Prince paYouTube. Zvidzidziso zvake zvakadzama uye zvinovandudza zvekuti kunyangwe ikozvino anoramba achisimudzira panguva iyo zvidzidziso zvakadzama zvisingachawanikwi.
Minerva O, United States
Ndakadzidza zvakawanda kubva kuzvidzidziso zvenyu.
Mufundisi Lazarous P, Zambia
Ndanga ndichiteerera zvidzidziso zvaDerek Prince uye zvashandura hupenyu hwangu. Ndinokutendai Derek Prince Ministries.
Susannah T, Australia
Hupenyu hwangu huchinjwa nezvidzidziso zvaDerek Prince.
Miriam G, United Kingdom
Ndinoramba ndichikomborerwa uye ndichikurudzirwa neDerek Prince Ministries! Ndinokutendai nekuita kuti zvidzidziso zvakadzama zvaDerek zviwanikwe nyore.
Lynne C, United States
Ndinofarira hushumiri uhwu. Ndakasunungurwa kubva muruoko rwemuvengi.
Patrice A, Trinidad and Tobago
Ndakangokaruka ndakasangana nezvidzidziso zvaDerek Prince paYouTube. Munyika tinoti 'netsaona', asi ndinoziva izvi hazvisi tsaona. Ndinotenda kuti Mweya Mutsvene wakanga achinditungamirira muchokwadi chose. izvi zvakatanga mwedzi wapfuura, uye kubva ipapo ndiri kupota ndichiona dzidzizo dzaDerek zuva roga roga.
Lisa J, United States
Ndinokomborerwa zvikuru neDerek Prince Ministries. Zvidzidziso zvenyu zvakajeka uye ndinogara ndichiteerera.
Darryl L, United States
Ndakawana mharidzo dzaDerek Prince panguva yataigara mudzimba nekuda kwehosha(Covid 19) uye kubva nguva iyoyo ndinonzwa rugare uye mufaro ndichiteerera zvidzidziso zvake.
Meing, Malaysia
Ndakabhabhatidzwa ndiri kuchikoro chesekondari uye ndaive muchitendero chechiKristu, asi handina kuziva kuti basa raKristu pamuchinjikwa raive rei kwandiri. Ndaifunga kuti Jesu anodiwa nevamwe, asi kwete ini. Ndaigara ndiri pamaitiro ezvivi. Makore akati wandei gare gare, ndakaneta nehupenyu husina maturo uye ndaida gwara rechokwadi. Ndakaona mavhidhiyo ose ekukurudzira andaiwana, asi pakange pasina rugare runoenderera mberi mukati mangu. Mushure menguva yekutsvaga, ndakafungisisa kuti ndaida Mwari zvechokwadi. Rimwe zuva, pakati peusiku, ndakapfugama muimba yangu yekurara ndikachemera ruregerero kuna Mwari, ndokutanga kuverenga Bhaibheri zvakare. Mwari akanditungamirira kuVaRoma 10:9-10 ndokundipa kutenda kuti ndigamuchire. Pakupedzisira ndakaziva zvakaitwa naJesu Kristu pamuchinjikwa kwandiri. Mwari vakudzwe! Kubva kune YouTube channel yenyu, ndakawana zvidzidzo zvakawanda zvakawedzera kutenda kwangu, uye zvinoshanda pakufamba kwangu naKristu.
Samuel Z, Taiwan
Hupenyu hwangu hahuzombofi hwakafanana nakare mushure mekuteerera zvidzidziso zvaDerek Prince. Yapfuura mwedzi miviri parizvino, uye ndazvipira zvachose mukufamba kwangu, kutaura uye kufunga. Mbiri kuna Mwari! Ndatenda.
Shawnda J, United States
Derek Prince mudzidzisi wangu. Ndinodzidza kubva kwaari mazuva ose. Ava chikomborero muhupenyu hwangu uye ndinotenda Ishe wedu nezvechipo ichi. Ndatenda!
Carmen R M, France
Ndinotenda nebasa renyu ramuri kuramba muchiita pasi rose. Ndanga ndichiteerera zvidzidziso zvaDerek Prince kwemwezi mizhinji mugore rapfuura. Kukurudzira kukuru.
Daniel, United Kingdom
Makore akati kuti apfuura, ndanga ndichitsvaga zvakanyanya munhu anogona kundidzidzisa Shoko raMwari. Kusvika panguva iyoyo, ndakanga ndisina mudzidzisi, ruzivo rwangu rwaingobva pakungoverenga chete. Ipapo ndakanga ndichitsvaga Mwari ndichingotarisa paYouTube, ndipo pandakawana chidzidzo chaDerek Prince. Ndakashamiswa. Kubva panguva iyoyo, ndanga ndinoona mavhidhiyo ake zuva rega rega.
Bruno S, Portugal
Derek Prince akavhura meso angu kuburikidza nedzidziso dzake uye akaisa muenzaniso wekuti nditevere.
Lucinda, United States
Ini nemukadzi wangu takawana zvidzidziso zvaDerek paYouTube zvikatibatsira zvikuru pakunzwisisa hondo dzemweya. Takasunungurwa ikozvino uye tinoramba tichifamba naJesu mukutenda
Pietro P, Switzerland
Ndinotenda Mwari nekuda kwe Derek Prince Ministries. Muri panzvimbo chaiyo panguva yakakodzera.
Charles M, United States
Ndakaberekerwa mumhuri yechiHindu asi ndakagamuchira Jesu Kristu saIshe wangu nemuponesi makore apfuura. Ndakaona Derek Prince paYouTube uye ndakadzikinurwa kubva mukushushikana kwepfungwa. Ndakadzidza zvakawanda uye ndakawana mudzidzisi weBhaibheri anovimbika mushure mekutsvaga kwakanyanya. Ndinotenda zvikuru Derek Prince Ministries nekuparadzira Shoko raMwari neEvhangeri pasi rese.
Shreyas J, India
Nhasi ndiwo musi wekutanga wandaona mashoko aDerek Prince. Ndanzwa kukurudzira zvikuru. Ndatenda.
Theresa, United States
Ndakomborerwa zvikuru nezvidzidziso zvaDerek Prince.
Annamma Q, India
Ndinotenda Mwari neDerek Prince Ministries. Chikomborero kuva nezvidzidziso zvakadzama zvakadai zvinobata moyo.
Ann M P, United States
Munguva yapfuura, ndakange ndichiedza kuverenga Bhaibheri asi ndaisanzwisisa nekuti ndaishandisa KJV. Handina kuziva kuti kune dzimwe mhando dzeBhaibheri. Ndaisatoziva zvachose. Saka ndakaedza kutsvaga kereke yekuenda nekuti ndakafunga kuti ikoko ndichadzidziswa uye vachatsanangura. Ndakaenda kumakereke akati kuti uye ndakaguma ndisingafari. Hapana munhu akakwanisa kunditaridza nzira. Ndakarasa tariro! Nguva shoma yapfuura ndichiona YouTube ndakaita mahwekwe naDerek Prince. Zvino handichakwanisa kurega kumuona! Ndiye rudzi rwemunhu wandaitsvaga. Ndinotenda zvikuru kuti mavhidhiyo ake achiri kubuda uye ari kuturikirwa kune imwe mitauro. Ndiri kudzidza zvakawanda! Ndinoona mavhidhiyo ake zuva nezuva.
Belisa G, United States
Ndinokukurudzirwa zvikuru neDerek Prince Ministries. Chishuwo changu chekuti ndidzidze Shoko raMwari chakawedzera nekuunza makomborero mumhuri yangu. Ndinotenda nedzidziso dzose dzamuri kuita kuti dziwanikwe.
Pilli B, India
Dzidziso dzaDerek Prince dzakashandura hupenyu hwangu. Ikozvino ndave neruzivo rwakawedzera nezvenyika yemweya kupfuura kare kose. Ndiri kufara kuva neukama rwakaropafdzwa naMweya Mutsvene. Kudzidza nezvekutukwa nemakomborero zvakanyatsorongwa naMwari. Kunyangwe kuburikidza nemavhidhiyo edzidzidziso dzaDerek Prince epamhepo, ndinonzwa huvepo hwaMwari zvinesimba mumba mangu. Muporofita wechokwadi uye munhu waMwari. Ndinomirira kumukwazisa nekumutenda kudenga!
Suzie Grace, United Arab Emirates
Ndinotenda Derek Prince nezvidzidziso zvake zvakarongeka! Rudo rwake, moyo murefu, uye kuzvipira kwake kwaionekwa kubva pakutanga! Akandidzidzisa zvakawanda! Ndiye mumwe wevaparidzi vandinotenda! Mwari akataura kuburikidza naye uye akabatsira kuvhura meso angu kuzvokwadi!
Elizabeth, Canada