Nhoroondo
Zvese zvakatanga muna 1971, Derek Prince paakavhura mugaraji repamba pake paaigara muFort Lauderdale, Florida. Pakutanga yaizivikanwa ichinzi Derek Prince Publications, yaive mhedzisiro yebasa rake rinokura rekudzidzisa Bhaibheri rakatanga muna 1944 apo Ishe vakati kwaari:
Wakadanwa kuva mudzidzisi weShoko RaMwari, muchokwadi, mukutenda uye murudo, zviri muna Kristu Jesu - kune vakawanda.
Mashoko aya akatsigira Derek mukuedza kwake kudzidzisa vaneshungu dzekukura mushoko raMwari, zvikamukurudzira kunyora nekutsikisa mumabhuku akasiyana-siyana kusanganisira "Self-Study Bible Course" (1969), "Liberating Truth" (1966), "Repent and Believe" (1966) nemamwe. Uchapupu hwekubudirira kezvinyorwa izvi uye kutendeka kwaMwari, Derek Prince Publications yakakura nekuda kwehuwandu hwekudiwa kwedzidziso dzake.
Pakazosvika 1972, kutsikiswa kwemabhuku kwanga kwadarika kugona kwaDerek semushandi mumwe chete naizvozvo David Selby (mukwasha wake) akakokwa kuti abatsire. Vakabatana, vakagadzira nzira yeushumiri uhwu hwaikura, vachipinda mukutepfenyura redhiyo uye kuburitsa mabhuku matsva.
Mahofisi ekunze akavhurwa kuNew Zealand, South Africa, Australia, Canada, United Kingdom uye Netherlands panguva yekuma1980s, uye kurota kwekudzidzisa marudzi kwakasimbiswa. Pakazosvika magumo emakore gumi, Derek akapedza nzendo nhatu achifamba pasirose achidzidzisa Bhaibheri, uye chirongwa chake cheredhiyo chaipararira zvakanyanya mumakondinendi matanhatu nemitauro gumi.
Muna 1990, Derek Prince Publications yakachinjwa zita kuva Derek Prince Ministries. Kugoverwa kwezvinyorwa zveBhaibheri zvemahara kwakawedzera, kuchisvika kunyika dzinosvika 140, uye mabhuku aDerek aive ava kuwanikwa mumitauro inopfuura makumi mashanu.
Nhasi, Derek Prince Ministries ine mahofisi munyika dzinopfuura 45 pasirose uye inoramba yakazvipira nemoyo wese kudzidzisa Bhaibheri munyika imwe neimwe, tsika imwe neimwe uye mutauro umwe neumwe. Kukura uye kubudirira kwemaministry kunosimbisa shoko rechiporofita rakapihwa Derek muna 1941, apo Ishe vakati:
Richaita semvura shoma. Mvura ichava rwizi. Rwizi ruchava rwizi rukuru. Rwizi rukuru ruchava gungwa. Gungwa richava dziva guru, uye zvichaitika kuburikidza newe; Asi kuti zvichaitika sei, haumbofanire kuziva, haugone kuziva, haungazive.
Kutendeka kwaMwari kuShoko iri kwakaunza Derek Prince Ministries panzvimbo yairi nhasi uye icharamba ichiunza ministry iyi ku "dziva guru."
Iine zvinyorwa zvakawanda zvakanyorwa, zvinonzwika, uye zvemifananidzo zvaDerek Prince, ministry iyi icharamba ichiburitsa mabhuku matsva. Kusvikira zvino, mabhuku anodarika zana aburitswa uye akaturikirwa mumitauro inodarika zana.